Mawuya!

Mitauro yemuZimbabwe inowanikwa paWebsite ino:


Maererano Nesu

Ini Newe/Mina Lawe iboka rekugoverana, kutauririna nekupanana mashoko riri chitubu cheruzivo, communication platform muchirungu, rakanangana nemadzimai kunyanya aya anowana hupfumi hushoma achigara kumaruwa nenzvimbo dziri pedyo nemadhorobha maperi urban. Boka redu rinoda kubatsira kuunza budiriro yemudzimai semunhu, nharaunda yaagere nenyika yese, kuburikidza nekufambiswa kwemashoko. Tinounza nyaya dzebudiriro, dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume, dzehupfumi, nedzimwewo dzakawanda, dzinounza pundutso. Tinoziva kuti munhukadzi akabudirira, zvinopa budiriro kumhuri nenyika, nokudaro tichanyanyonangana nenyaya dzemadzimai. Dodzvo redu nderekupa mashoko etariro kumadzimai nenharaunda kuburikidza nenyaya dzinosimbisa dzinotaurwa nevamwe varikurarama mazviri.

Tinoshuvira kushandura mafungiro evose vachasangana nenhaurirano dzedu, paplatform ino yeIni Newe/Mina Lawe. Tinoda kuti vaverengi vedu vashanduke mafungiro, vagovenetariro mhenyu yekurarama zvisi nei nekuti ndeverudzi rwupi.   Gwaro redu huru reIni Newe/Mina Lawe magazine rakanyorwa muchiShona nechiNdebele kuti rigosvika mativi mana enyika. 

Tinoda kuti mafungiro nemazwi evanhukadzi nenharaunda dzavagere zviumbe nhaurirano yenyika zvichizokonzera budiriro munyika. Ini Newe/Mina Lawe, rine vatori venhau vanehunyanzvi nevanopepeta nhau zvechizvino zvino, avo vachakuunzirai nhau dzinobva kumaruwa nekune avo vachiri kubudurira, varume nevakadzi vemuZimbabwe.

1
2
3
4
5
6

Muono Wedu

SeIni Newe/Mina Lawe tinoshuvira kuona nharaunda yevanhurume nevanhukadzi vaneruzivo, vanoita zvakanakira munhu wese, vachishandira pamwechete kuti vagowana budiriro nepundutso izere.

Donzvo Redu

Tinodakupa madzimai nenharaunda izwi munhaurirano dzekupepetwa kwenhau kuburikidza nezvirongwa zvakanangana nevanhu, kuenzana kwemikana yevanhurume nevanhukadzi vachitaura nezveupenyu  hwavo nebudiriro yenharaunda tichishandisa nzira dzekare nedzemazuvano dzekuburitsa nhau.

Tichakwanisa kuona budiriro yeDonzvo redu kana paitika zvinotevera:

  • Nhau dzinotapwa kubva kuvanhu chaivo vemuZimbabwe kunyanya vanobva kumaruwa nekudzvimbo dzakapoteredza madhorobha.
  • Madzimai ekumaruwa nevemunharaunda nevekumaperi-Urban vachitaura nyaya dzavo kuburikidza nenhau dzemapepa nedzemawairesi nezvivhiti vhiti.
  • Kuumba hukama nevamwe vanemafungiro seedu kuti dodzvo redu ribude.
  • Tichashandisa mitauro inoti, Chirungu, Chindevere neChishona paIni Newe/Mina Lawe platform.
  • Tichaongorora nekutarisa kukura kweplatform yedu yenhaurirano yeIni Newe/Mina Lawe tichishandisa zviyero zvekuongoro zvinyorwa zvemunyika ino nezvedzimwe nyika dzakatipoteredza nedzemhiri kwemakungwa. 

Zvatinokoshesa

  • Chokwadi
  • Kusasarura ganda kana rudzi
  • Zvakaringana
  • Zvakanakira munhu wese
  • Kuringana kwehukama pakati pevanhukadzi ne vanhurume
  • Hutsvene
  • Rukudzo
  • Kuvimbika
  • Kuva pamhene
  • Kuyemura musiyano

Vatinobatanavo muBhizimusi

Ini Newe/Mina Lawe iboka risina kurerekera kunezvematongerwo enyika rinoshuvira kuona nharaunda yevanhurume nevanhukadzi vaneruzivo, vanoita zvakanakira munhu wese, vachishandira pamwechete kuti vagowana budiriro nepundutso izere. Tinoshuvira kushanda nevamwe vanepfungwa dzakafanana nedzedu vanoda kuona madzimai achizvimirira munyaya dzeupfumi uye vanoda kuti muono wedu ucherechedzwe.



Tibatei

Ndapota shandisai form rino kana paine zvamunoda kuziva.

Shoko rako ratumirwa.
Shoko renyu raramba kutumirwa.
Ndapota tarisa email address yawatipa inenge yakanganisika.
Nyorai mashoko.
;