Boka reSelf Help Development Foundation (SHDF) rinoshanda nenharaunda munyaya dzebudiriro kunyanya kunzvimbo dzemaruwa richitarisa kuvaka madzimai munyaya dzehupfumi nedzekuzvimiririra. Boka iri rakavambwa muna 1963, rikawedzera ruzivo nekufamba kwemakore.
SHDF iboka rinodzidzisa nekunatsurudza mafungiro nemaitiro enhengo dzaro kuti dzizvimiririre. Boka iri rine unyanzvi neruzivo rwakanyanya runobva mukushanda nevanhu vakasiyana siyana kwemakore akawanda.
SHDF ineruzivo rwakawanda munezvinotevera; kuronga mabhizimisi, nzira dzekufambiswa kwemabhizimisi evarimi achiri kusimukira, zvehupfumi, zvekukweretesana nekuchengeta mari , mabasa emaoko nekupanga mazano munezvekurima. Boka iri rinobatsira varimi vachirikusimukira nevatisimukirei nemisangano yevarimi . SHDF ine vashandi vakadzidzira basa varimunyika yose vanowanikwa pedyo nenhengo, vachikwanisa kubatsira nekudzidzisa nenguva pfupi vangodaidzwa.
Boka redu rinoshanda zvakanyaya munyaya dzebudiriro yemadzimai nenharaunda tichida kusimudzira nhengo dzedu. Zvikamu makumi masere kubva muzana, 80% dzenhengo dzedu dzinowanikwa kumaruwa, ukuwo zvikamu makumi maviri kubva muzana 20% dzenhengo dzedu dzichiwanikwa mumadhorobha.
Izvozvi, chinangwa chedu ndechekuvandudza nyaya dzese dzezvekurima takatarisana nekuwedzera hupfumi hunowanikwa mukurima. Tiri kudzidzisa mapoka nevanhu vakasiyana-siyana vari kuita mabasa ekurima akafanana neekuvanduza kurima, kudzidzisa maagro dealers kutsvaga mari, kudzidzisa varimi kuti mabhindauko aveanobudirira, kutengesa zvirimwa kunehunyanzvi kune zvehorticulture, kutsvaga mari dzezvikwereti dzekupa varimi , kubetsera kutengeswa kwezvirimwa nekuvhura mikana kunevarimi vanoomesa miriwo nemichero kuti itengeseke kunyika dziri kunze,ma regional export markets.
Tinoshanda tiri mumatunhu makumi matatu, 30 munoZimbabwe. Tine vashandi vari mumatunhu aya, anoti; Chimanimani, Mutare, Buhera, Mutasa, Makoni, Nyanga, Wedza, Mutoko, Murewa, Goromonzi, Manyame/Seke, Guruve, Maowe, Bindura, Hurungwe, Zhombe, Shurugwi, Mvuma, Gokwe North, Chivi, Masvingo, Gweru, Tsholotsho, Lupane, Nkayi, Umzingwane, Gwanda, Bulilima, Harare neBulawayo.
Tinonyanyoshanda tichitarisa nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi, tichitarisazve mamirire enharaunda nekuchengetedzwa kwezviwanikwa.
Tinobata pamwe chete neboka reIni Newe/Mina Lawe panyaya dzebudiriro nekuzvimiririra kwemadzimai. Boka iri richashanda nenhengo dzedu dzeSHDF richitora nhau dzemabhindauko avo nedzebudiriro. Ini Newe/Mina Lawe, richatora zvirikuitika kunhengo dzedu nechinangwa chekuburitsa zvakanaka zviri kuitwa kunzvimbo zhinji nekukurudzira madzimai nenharaunda vachaverenga. Nhengo dzedu, dzimwe dzirikumaruwa ari kure dzichawana mukana wekugoverana mashoko nenyika yese kuburikidza neIni Newe/Mina Lawe.
Tinofara kubatana neveIni Newe/Mina Lawe kuti muono wedu ugoonekwa, tinoda kuona nyika ine hupfumi, nenharaunda inoremekedza kodzero dzevanhu kunyanya kodzero dzemadzimai.
Vanoita mabasa anotevera
A list of contact persons is available upon request for your area. Please contact us for further information.
Tie-&-dye; batik; kusona; zvekugadzira mumba zveinterior decor; screen printing
Puree making; pickles; kugadzira jamu; kugadzira maherbs; kuomesa miriwo nemichero; kugadzira zvinwiwa zvinovaka muviri; kubika maswiti; ice cream.
Mabhasikiti; kuvesa; zvinogadzirwa nedehwe - shangu, mabhegi ekupakatira, mabhandi; zvekugadzira midziyo nemasimbi-mapoto eAluminium anomira nemakumbo matatu.
Kugadzira makenduru; mushonga wekuzora pasi; mushonga weshangu; sipo yekugezesa, yekuwachisa neyemuzvighubu; mafuta ekuzora eLotion, petroleum jelly, camphor cream.
NB: Makosi aya anodzidzwa mazuva maviri kana mashanu zvichienderana nechikumbiro chinenge chaiswa nevanoda kudzidza. Mari inobhadharwa inosiyana zvichienderana nekosi inenge ichiitwa, munokwanisa kubvunza kumahofisi eSelf Help Development Fund kana muchida kunzwisisa. Tine pekudzidzira panokwana vanhu makumi mashanu, 50 kana makumi matanhatu 60 asi panobhadharwawo pega.
Unokwanisa kupa mashoko kuSHDF uchishandisa form riripazasi: