Stanencia Mutendera, mudzimai akawanikwa anemakore makumi mana nematanhatu, 46, anogara muWard 2 (Dema Growth Point) kwaSeke. Kusvikira mugore ra2014, Stanencia nemurume wake vainge vasingashandi. Mhuri iyi yairarama nemari shoma yavaiwana kubva mukutengesa muriwo pazvitoro zvepaDema. Vainge vasina imba yavo yekugara, vairoja.
Muna Ndira mugore ra2015, Stanencia akapinda muboka reSelf Help Development Foundation, rekuzvibatsira. Akatanga boka rinonzi, “Progress 1”pamwe chete nemamwe madzimai mapfumbamwe aibva kunharaunda yake.
Boka rakatanga kusangana pavhiki yega yega, Stanencia akabva akwereta mari kuboka yaakashandisa kutanga bhindauko rekuchengeta huku. Murume wake akatangawo kuenda kunotenga zvekutengesa kubva kuSouth Africa.
Stanencia nemurume wake vakadzidziswa neve SHDF vekudunhu ravo, zvekuvakwa nekufambiswa kwemabhizimisi, kuchengeta mabhuku ebhizinisi nekuchengeta huku. Mushure mekunge vaziva zvakawanda, Stanencia nemurume wake vakave vazvinabhizimisi vadiki vanowana mari iri pakati pemadhora mazana masere, $800 kusvikira pamadhora mazana mapfumbamwe, $900.
Kuburikidza nechirongwa che mabhizinisi cheEntrepreneurship Business Development Programme, SHDF yakabatsira kuvhura mikana yekuti Stanencia atengese kuzvitoro zvikuru zvemasupamakiti zvinosanganisira OK Mart neTM kwaanoendesa huku mazana maviri, 200 pamasvondo maviri ega ega. Kwapera gore rimwe chete vakakwanisa kuchengeta $11 000 yavakashandisa kutenga nzvimbo yekuvakira vachibva vavaka imba yavo yine makamuri manomwe.
“Raramo yemhuri yangu yave nani. Tiri kugara nemufaro,” Akadaro Stanencia.