Ini Newe/Mina Lawe iboka risina kurerekera kunezvematongerwo enyika rinoshuvira kuona nharaunda yevanhurume nevanhukadzi vaneruzivo, vanoita zvakanakira munhu wese, vachishandira pamwechete kuti vagowana budiriro nepundutso izere. Tinoshuvira kushanda nevamwe vanepfungwa dzakafanana nedzedu vanoda kuona madzimai achizvimirira munyaya dzeupfumi uye vanoda kuti muono wedu ucherechedzwe.
Ini Newe/Mina Lawe iboka risina kurerekera kumatongerwe enyika, rinoshuvira kuona nharaunda yevanhurume nevanhukadzi vaneruzivo, vanoita zvakanakira munhu wese, vachishandira pamwechete kuti vagowana budiriro nepundutso izere. Tinoda kudyidzana nevanotibatsira vanemuono wakafanana newedu.
VeSHDF vakandidzidzisa kuchengeta mari nekuita mabasa emaoko.
Kuita basa rangu rekundiunzira hupfumi kwandibatsira kuti ndiwane kuzvimiririra panyaya dzehupfumi sezvo ndavakukwanisa kubhadharira vana vangu chikoro ndisingamiriri murume wangu.